Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 18:5-16

1 Samueri 18:5-16 SNA2002

Dhavhidhi akasienda kwose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo. Zvino vakati vachisvika pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia, vakadzi vakabuda kumaguta ose avaIsiraeri vachiimba, vachitamba, kuzosangana namambo Sauro nengoma, nokufara uye nezvimwe zvokuridza. Vakadzi vakaimba vachibvumirana pakuridza kwavo, vakati, “Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake.” Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, “Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?” Zvino kubva pazuva iro namazuva ose Sauro akachenjerera Dhavhidhi. Zvino fume mangwana mweya wakaipa, wakanga watumwa naMwari, ukauya pamusoro paSauro nesimba, iye akataura nokupenga mukati meimba yake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake sezvaaita zuva rimwe nerimwe; Sauro wakanga akabata pfumo muruoko rwake. Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati, “Ndichabayira Dhavhidhi pamadziro.” Dhavhidhi akanzvenga kaviri pamberi pake. Sauro akatya Dhavhidhi, nokuti Jehovha wakanga abva kuna Sauro. Naizvozvo Sauro akamutamisa abve kwaari, akamuita mukuru wechiuru, akabuda nokupinda pakati pavanhu. Dhavhidhi akafamba nokungwara pazvose zvaakaita, Jehovha akava naye. Zvino Sauro wakati achiona kuti unofamba nokungwara kukuru, akamutya kwazvo. Asi vaIsiraeri vose navaJudha vose vakada Dhavhidhi, nokuti waibuda nokupinda pakati pavo.