Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 18:1-5

1 Samueri 18:1-5 SNA2002

Zvino wakati apedza kutaura naSauro, mwoyo waJonatani ukanamatira mwoyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida mwoyo wake. Sauro akamutora zuva iro, akasada kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwababa vake. Zvino Jonatani akaita sungano naDhavhidhi, nokuti wakanga achimuda sezvaakanga achida mwoyo wake. Jonatani akabvisa nguo yaakanga akafuka, akaipa Dhavhidhi, nezvisimiro zvake, kunyange nomunondo wake, nouta hwake, nebanhire rake. Dhavhidhi akasienda kwose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo.