Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Petirosi 2:21-25

1 Petirosi 2:21-25 SNA2002

Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake; iye asina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuonekwa mumuromo make; iye akati achitukwa, haana kutukazve; akati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi akaisa mhaka yake kuna iye anotonga zvakarurama; iye akatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama; iye wamakaporeswa namavanga ake. Nokuti makanga makatsauka samakwai; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu.