Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Petirosi 2:11-24

1 Petirosi 2:11-24 SNA2002

Vadikanwi, ndinokumbira zvikuru kwamuri, zvamuri vatorwa navaeni, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nomweya; mufambiro wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira kana vachiona mabasa enyu akanaka. Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu nokuda kwaIshe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye kuti vatsive vanoita zvakaipa, uye varumbidze vanoita zvakanaka. Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi; savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari. Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo. Varanda, teererai vatenzi venyu nokutya kwose, musingazviiti kuna vakanaka navanyoro bedzi, asi kuna vasakaruramawo. Nokuti ndidzo nyasha kana munhu achitsungirira mukutambudzika nokuda kwehana kuna Mwari, achitamubudzika asina mhosva. Nokuti kune rumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarohwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kuna Mwari. Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake; iye asina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuonekwa mumuromo make; iye akati achitukwa, haana kutukazve; akati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi akaisa mhaka yake kuna iye anotonga zvakarurama; iye akatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama; iye wamakaporeswa namavanga ake.