Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 8:1-11

1 Madzimambo 8:1-11 SNA2002

Zvino Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, kuna mambo Soromoni paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha, ibve paguta raDhavhidhi, iro Zioni. Varume vose vaIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamutambo pamwedzi weEtanimi, ndiwo mwedzi wechinomwe. Ipapo vakuru vose vaIsiraeri vakauya, vapristi vakasimudza areka. Vakakwira neareka yaJehovha netende rokusangana, nemidziyo mitsvene yose yaiva muTende, vapristi navaRevhi vakakwira nayo. Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba naye pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwazvo. Ipapo vapristi vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene‐tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi. Nokuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro. Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari panzvimbo tsvene pamberi penzvimbo pangataura Jehovha; asi akanga asingawonekwi nechokunze; achiripo kusvikira nhasi. Mukati meareka makanga musisine chinhu, asi mahwendefa maviri amabwe, akanga aiswamo naMosesi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano nayo navana vaIsiraeri pakubuda kwavo panyika yeIjipiti. Zvino vapristi vakati vabuda panzvimbo tsvene, gore rikazadza imba yaJehovha, naizvozvo vapristi vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha.