Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 18:36-39

1 Madzimambo 18:36-39 SNA2002

Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eria akaswedera, akati, “Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi. Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve mwoyo yavo.” Ipapo moto waJehovha wakaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga. Vanhu vose vakati vachizviona, vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, “Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!”