Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 17:1-7

1 Madzimambo 17:1-7 SNA2002

Zvino Eria muTishibhi, waigara Gireadhi, wakati kuna Ahabhi, “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.” Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti, “Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti, ruri pamberi paJorodhani. Unofanira kunwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguo kukupa zvokudya ipapo.” Naizvozvo akaenda, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; wakandogara parukova Keriti ruri pamberi paJorodhani. Makunguo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama madekwana; akanwa mvura yorukova. Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nokuti mvura yakanga isinganayi panyika.