Mumwe nomumwe, anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye akaberekwa naMwari; mumwe nomumwe, anoda iye akabereka, anodawo akaberekwa naye. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, tichiita mirayiro yake. Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirayiro yake; mirayiro yake hairemi. Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; kukunda kwakakunda nyika, ndiko kutenda kwedu. Ndianiko anokunda nyika? Haazi iye anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari here? Ndiye akauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Ndiye Mweya anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi. Nokuti kune zvitatu zvinopupura, zvinoti: Mweya, nemvura neropa; zvitatu izvi zvinopupura chinhu chimwe. Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kukupupura kwaMwari ndiko, kuti akapupura pamusoro poMwanakomana wake. Uyo, anotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura anako mukati make; asingatendi Mwari akamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake. Kupupura ndiko, kuti Mwari akatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhwu huri muMwanakomana wake. Ane Mwanakomana waMwari ano upenyu, asina Mwanakomana waMwari, haano hupenyu.
Verenga chikamu 1 Johani 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Johani 5:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo