Kana murimi, izvo zvamakanzwa kubva pakutanga, ngazvigare mamuri. Kana izvo zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, nemiwo muchagara muMwanakomana, nomuna Baba. Ndichochi chipikirwa chaakatipikira, ndihwo upenyu husingaperi. Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai. Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, chisati chiri nhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari. Zvino, vana vaduku, garai maari, kuti, kana achizooneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswawo pamberi pake pakuuya kwake.
Verenga chikamu 1 Johani 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Johani 2:24-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo