Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 8

8
Kudya zvakabayirwa zvifananidzo
1Zvino, pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tinako kuziva. Kuziva kunouyisa kuzvikudza, asi rudo runosimbisa. 2Kana munhu achiti, “Ndinoziva chinhu,” agere kutongoziva sezvaakafanira kuziva.
3Asi kana munhu achida Mwari, iye anozikanwa naye. 4Zvino kana kuri kudya zvinhu zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, uye kuti hakuna mumwe Mwari, asi iye mumwechete. 5Nokuti kunyange varipo vanonzi “Vamwari,” kana kudenga kana panyika; sezvavaripo “Vamwari vazhinji, namadzishe mazhinji;” 6asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiripo nokuda kwake; uye Ishe mumwe, Jesu Kristu; zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye.
7Asi vose havana kuziva ikoko; nokuti vamwe, vakarovera chifananidzo kusvikira zvino, vanodya vachiti zvakabayirwa zvifananidzo; hana yavo zvaisina simba, inoshatiswa.
8Zvino zvokudya hazvingatisvitsi kuna Mwari; nokuti kana tisingadyi, hatiipiswi, kana tichidya, hatinatswi. 9Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kuna vasina simba.
10Nokuti kana mumwe achikuona iwe, unako kuziva, ugere pakudya mutemberi yechifananidzo, ko hana yaiyeye asina simba haingatsungiswi, kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here? 11Nokuti nokuziva kwako uyo asina simba anoparadzwa, iri hama yakafirwawo naKristu. 12Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchirwadzisa hana yavo isina simba munotadzira Kristu. 13Saka kana zvokudya zvichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama nokusingaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.

Zvasarudzwa nguva ino

1 VaKorinde 8: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda