Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 7:32-35

1 VaKorinde 7:32-35 SNA2002

Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Asina kuwana, anofunga zvaIshe, kuti angafadza Ishe wake sei. Asi akawana, anofunga zvenyika, kuti angafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi asina kuwanikwa nemhandara anofunga zvaIshe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi akawanikwa anofunga zvenyika, kuti angafadza murume wake sei. Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, uye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi.