1 VaKorinde 6
6
Pauro anovarayira pamusoro pokupesana
1Ko kana mumwe wenyu ane mhosva nomumwe, angatsunga kumukwirira kuna vasakarurama, akasamukwirira kuna vatsvene here? 2Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imi hamufaniri kutonga mhosva duku-duku here? 3Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei izvo zvoupenyu huno! 4Zvino kana mune mhosva dzoupenyu huno dzinofanira kutongwa, munogadza seiko avo vanozvidzwa pakereke, kuti ivo vatonge?
5Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko hakuna akachenjera pakati penyu angagona kutonga pakati pehama nehama yake here? 6Asi hama inokwirira hama, achizviita pamberi pavasingatendi here?
7Zvino matova nemhosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama? Munoregereiko kutenda kubirwa? 8Asi imi munoita zvisakarurama, munonyengera, muchizviitira hama.
9Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? Musarasika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanopfeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume, 10kana mbavha, kana vanoruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka youshe hwaMwari.
11Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa nezita raIshe Jesu Kristu, nomweya waMwari wedu.
Miviri yedu mitezo yaJesu Kristu
12Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvinhu zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose, asi handidi kukundwa nechinhu chimwe. 13Zvokudya ndezvedumbu, nedumbu nderezvokudya; asi Mwari achaparadza iro naizvo, zvose. Asi muviri hauzi woupombwe, asi ndowaIshe; naIshe ndowomuviri; 14Mwari akamutsa Ishe, uye achatimutsa isu nesimba rake.
15Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu here? Zvino ndobvisa mitezo yaKristu, ndiite mitezo yemhombwe here? Haisva!
16Hamuzivi kuti akasanganiswa nemhombwe wava muviri mumwe naye here? Nokuti iye anoti, “Ava vaviri vachava nyama imwe.” 17Asi akasanganiswa naIshe, wava mweya mumwe naye.
18Tizai upombwe. Zvivi zvose, zvinoitwa nomunhu, zviri kunze kwomuviri; asi anoita upombwe, anotadzira muviri wake. 19Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu; 20nokuti makatengwa nomutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
1 VaKorinde 6: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002