Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 3:3-9

1 VaKorinde 3:3-9 SNA2002

Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutoo wavanhu here? Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro;” mumwe, “Ini ndiri waAporo;” ko hamuzi vanhu here? Zvino Aporo chinyiko? Pauro chinyiko? Vashumiri vamakatenda navo, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naIshe. Ini ndakasima, Aporo akadiridza; asi Mwari akameresa. Naizvozvo anosima haazi chinhu, kana anodiridza; asi Mwari anomeresa. Zvino anosima noanodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe achapiwa mubayiro wake, sezvaakabata basa. Nokuti tiri vabati pamwechete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.