Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:12-34

1 VaKorinde 15:12-34 SNA2002

Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti akamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa? Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu angadai asina kumutswawo; uye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva pasinawo. Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu, iye waasina kumumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi. Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu haana kumutswawo; kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu. Zvino naivo vakafa muna Kristu vakarasikawo. Kana tine tariro kuna Kristu muhupenyu uhwu bedzi, tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose. Asi zvino Kristu akamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata. Nokuti rufu zvarwakauya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakauya nomunhuwo. Nokuti vose sezvavanofa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: wokutanga ndiye Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuuya kwake. Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, ushe, panguva yaachaparadza kubata kwose, noushe hwose, nesimba. Nokuti anofanira kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira, achaparadzwa, ndirwo rufu. Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti, “Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinoonekwa pachena kuti iye, akaisa zvose pasi pake, haaiswipo.” Zvino kana zvose zvaiswa pasi pake, ipapo noMwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye akaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kuna vose. Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa? Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko? Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu muna Kristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe. Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa. Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka. Pengenukai zvakarurama, “Murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kuti munyadziswe.”