Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 14:1-22

1 VaKorinde 14:1-22 SNA2002

Teverai rudo; shingairirai zvipo zvoMweya, asi zvikuru kuti muporofite. Nokuti anotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi anotaura zvakavanzika muMweya. Asi anoporofita, anotaura kuvanhu, kuti vasimbiswe nokurayirwa, nokunyaradzwa. Anotaura norurimi, anozvisimbisa iye; asi anoporofita, anosimbisa kereke. Zvino ndinoda kuti imi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; anoporofita mukuru kunoanotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti kereke isimbiswe. Asi zvino, hama dzangu, kana ndichiuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa? Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa, kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikanwa seiko chinoridzwa nenyere kana norudimbwa? Nokuti kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angazvigadzira kundorwa? Zvakadarowo nemi, kana musingatauri mashoko norurimi anonatsozikanwa, zvinotaurwa zvichazikanwa seiko? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo. Mazwi anamarudzi mazhinji sei panyika, hakuna chinhu chisina izwi racho. Zvino kana ndisingazivi kuti izwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kune anotaura, noanotaura achava kwandiri somunhu worumwe rurimi. Saizvozvowo imi, zvamunoshingairira zvinhu zvoMweya, tsvakai zvikuru kuti musimbise kereke. Saka anotaura norumwe rurimi, ngaanyengetere kuti adudzirewo. Nokuti kana ndichinyengetera norumwe rurimi, mweya wangu unonyengetera, asi kufunga kwangu kunoshaiwa zvibereko. Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, uye ndichanyengetera nokufunga kwanguo; ndichaimba nomweya wangu, uye ndichaimba nokufunga kwanguo. Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nomweya, ko uyo agere pachigaro chavasina kudzidza, achati Ameni seiko pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura iwe? Nokuti iwe unovonga hako zvakanaka, asi mumwe haasimbiswi. Ndinovonga Mwari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose; asi pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pakutaura norumwe rurimi mashoko ane zviuru zvine gumi. Hama dzangu, musava vana pakuziva, asi muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru. Pamurayiro pakanyorwa, pachiti, “Ndichataura kuvanhu ava, ndichireva navanhu vedzimwe ndimi nemimwe miromo; kunyange zvakadaro, havanganditeereri, ndizvo zvinoreva Ishe.” Saka ndimi hadzizi chiratidzo kuna vanotenda, asi kuna vasingatendi; nokuporofita hakuzi kuna vasingatendi, asi kuna vanotenda.