Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 14:1-12

1 VaKorinde 14:1-12 SNA2002

Teverai rudo; shingairirai zvipo zvoMweya, asi zvikuru kuti muporofite. Nokuti anotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi anotaura zvakavanzika muMweya. Asi anoporofita, anotaura kuvanhu, kuti vasimbiswe nokurayirwa, nokunyaradzwa. Anotaura norurimi, anozvisimbisa iye; asi anoporofita, anosimbisa kereke. Zvino ndinoda kuti imi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; anoporofita mukuru kunoanotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti kereke isimbiswe. Asi zvino, hama dzangu, kana ndichiuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa? Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa, kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikanwa seiko chinoridzwa nenyere kana norudimbwa? Nokuti kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angazvigadzira kundorwa? Zvakadarowo nemi, kana musingatauri mashoko norurimi anonatsozikanwa, zvinotaurwa zvichazikanwa seiko? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo. Mazwi anamarudzi mazhinji sei panyika, hakuna chinhu chisina izwi racho. Zvino kana ndisingazivi kuti izwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kune anotaura, noanotaura achava kwandiri somunhu worumwe rurimi. Saizvozvowo imi, zvamunoshingairira zvinhu zvoMweya, tsvakai zvikuru kuti musimbise kereke.