Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 13:1-13

1 VaKorinde 13:1-13 SNA2002

Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisina rudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti, Ngwerengwere! Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu. Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisina rudo, handibatsiri chinhu. Rudo runomwoyo murefu, runomwoyo munyoro; rudo haruna godo; rudo haruna manyawi haruzvikudzi; haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, haruna zvishura; harufariri zvisakarurama, asi runofarira chokwadi; runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose. Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchabviswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa. Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana; asi kana zvakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabviswa. Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana. Nokuti zvino tinoona pachioni-oni, tisingaoni kwazvo; asi nenguva iyo tichaona neziso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikanwa neniwo. Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.