Zvino kana ndichikuudzai izvi, handikurumbidzii, nokuti hamuunganiri zvinopfuura nokunaka, asi zvakaipa.
Nokuti shoko rokutanga, kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo. Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu. Zvino kana muchiungana pamwechete, hakuzi kuti mudye chirariro chaIshe; nokuti kana modya, mumwe nomumwe anotangira vamwe kudya chirariro chake; mumwe ane nzara, mumwe anodhakwa.
Ko hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidzii.
Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe icho chandakakupaiwo, kuti Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa; akati avonga, akachimedura, akati, “Uyu ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvowo, vakati vapedza kurarira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe, kusvikira achiuya.