Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 10

10
Tirege kuedza Mwari savaIsiraeri
1Nokuti handidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore, uye kuti vose vakayambuka gungwa; 2vose vakabhabhatidzwa muna Mosesi mugore nomugungwa; 3vose vakadya zvokudya zvimwe zvomweya; 4vose vakanwa zvokunwa zvimwe zvomweya; nokuti vakanwa padombo romweya rakavatevera; dombo iro rakanga riri Kristu. 5Asi Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; nokuti vakaparadzwa murenje.
6Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri zviratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuchiva zvakaipa, sezvavakachiva ivo. 7Imi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Vanhu vakagara pasi pakudya nokunwa, vakamuka kuti vatambe.” 8Zvino ngatirege kuita upombwe, savamwe vavo vakaita upombwe, vakafa nezuva rimwe vane zviuru zvina makumi maviri nezvitatu.
9Ngatirege kuedza Ishe, savamwe vavo vakamuedza, vakaparadzwa nenyoka. 10Murege kugunun'una savamwe vavo vakagun'una, vakaparadzwa nomuparadzi.
11Zvino, izvi zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, tikasvikirwa nokuguma kwenyika. 12Naizvozvo, anoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa. 13Hakuna muedzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwechete nomuedzo, iye achakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.
Nzvengai zvifananidzo
14Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo. 15Ndinotaura sokuna vakachenjera; fungai zvandinotaura. 16Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here? 17Zvachiri chingwa chimwechete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.
18Tarirai vaIsiraeri panyama; avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here? 19Zvino ndotiiko? Kuti chinobayirwa zvifananidzo chinhu here, kana chifananidzo chinhu here? 20Kwete, asi ndinoti izvo zvinobayirwa navahedheni, havazvibayiri Mwari, asi mweya yakaipa; zvino handidi kuti muyanane nemweya yakaipa. 21Hamunganwiri mumukombe waIshe, nomumukombe wemweya yakaipa; hamungadyiri patafura yaIshe napatafura yemweya yakaipa. 22Ko tinoda kumutsa godo raIshe here? Tinomukunda nesimba here?
Mukristu ngaarege kugumburisa vamwe
23“Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri.” “Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi.” 24Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe.
25Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana; 26nokuti nyika ndeyaIshe nokuzara kwayo.
27Kana mumwe wavasingatendi akakukokerai kuzodya, kana mukada kuenda, idyai zvose zvinoiswa pamberi penyu, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana. 28Asi kana mumwe akati kwamuri, “Ichi chakabayirwa zvifananidzo,” regai kudya nokuda kwaiye akakuratidzai, uye nokuda kwehana; 29handirevi hana yako, asi yomumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerweiko nehana yomumwe? 30Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandinovonga pamusoro pacho?
31Naizvozvo, kana muchidya, kana muchinwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe. 32Regai kugumbusa kana vaJudha, kana vaGiriki, kana kereke yaMwari. 33Seniwo ndinofadza vanhu vose pazvinhu zvose, ndisingatsvaki zvingandibatsira ini, asi zvingabatsira vazhinji, kuti vaponeswe.

Zvasarudzwa nguva ino

1 VaKorinde 10: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda