Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo. Ndinotaura sokuna vakachenjera; fungai zvandinotaura. Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here? Zvachiri chingwa chimwechete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.
Tarirai vaIsiraeri panyama; avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here? Zvino ndotiiko? Kuti chinobayirwa zvifananidzo chinhu here, kana chifananidzo chinhu here? Kwete, asi ndinoti izvo zvinobayirwa navahedheni, havazvibayiri Mwari, asi mweya yakaipa; zvino handidi kuti muyanane nemweya yakaipa. Hamunganwiri mumukombe waIshe, nomumukombe wemweya yakaipa; hamungadyiri patafura yaIshe napatafura yemweya yakaipa. Ko tinoda kumutsa godo raIshe here? Tinomukunda nesimba here?
“Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri.” “Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi.” Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe.
Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana; nokuti nyika ndeyaIshe nokuzara kwayo.
Kana mumwe wavasingatendi akakukokerai kuzodya, kana mukada kuenda, idyai zvose zvinoiswa pamberi penyu, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana. Asi kana mumwe akati kwamuri, “Ichi chakabayirwa zvifananidzo,” regai kudya nokuda kwaiye akakuratidzai, uye nokuda kwehana; handirevi hana yako, asi yomumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerweiko nehana yomumwe? Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandinovonga pamusoro pacho?
Naizvozvo, kana muchidya, kana muchinwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe. Regai kugumbusa kana vaJudha, kana vaGiriki, kana kereke yaMwari. Seniwo ndinofadza vanhu vose pazvinhu zvose, ndisingatsvaki zvingandibatsira ini, asi zvingabatsira vazhinji, kuti vaponeswe.