1 Makoronike 17
17
Jehovha anoramba kutendera Dhavhidhi kumuvakira temberi
1Zvino Dhavhidhi akati agere mumba make, Dhavhidhi akati kumuporofita Natani, “Tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yesungano yaJehovha igere pasi petende.”
2Natani akati kuna Dhavhidhi, “Itai henyu zvose zviri mumwoyo mwenyu, nokuti Mwari anemi.”
3Zvino nousiku uhwo shoko raMwari rakasvika kuna Natani, richiti, 4“Enda unoudza Dhavhidhi muranda wangu, uti, ‘Iwe haungandivakiri imba mandingagara; 5nokuti handina kugara mumba kubva pazuva randakandotora vaIsiraeri, kusvikira zuva ranhasi; asi ndakabva patende rimwe ndichienda kune rimwe, napatabhenakeri imwe ndichienda kune imwe. 6Pose pandakafamba navaIsiraeri vose, ndakatongotaura here shoko rimwe kune mumwe wavatongi vaIsiraeri vose, vandakaraira kufudza vanhu vangu,’ ndichiti ‘Makaregereiko kundivakira imba yomusidhari?’ ”
7Naizvozvo zvino, unofanira kuti kumuranda wangu Dhavhidhi, “Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Ndakakutora kumafuro, kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mubati wavanhu vangu vaIsiraeri; 8ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita ringafanana namazita avakuru vari panyika. 9Ndichagadzirira vanhu vangu vaIsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavaparadzizve sapakutanga, 10nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu vaIsiraeri; uye ndichakunda vavengi vako vose. Uye ndinokuudza kuti Jehovha achakumisira imba.’
11“Zvino kana nguva yako yasvika, yaunofanira kuenda nayo kunamadzibaba ako, ndichamutsa mumwe worudzi rwako ruchakutevera, uchava mumwe wavanakomana vako; ndichasimbisa ushe hwake.
12“Iye achandivakira imba, neni ndichasimbisa chigaro chake choushe nokusingaperi. 13Ini ndichava baba vake, naiye achava mwanakomana wangu; handingabvisi nyasha dzangu kwaari, sezvandakadzibvisa kuna iye wakakutangira; 14asi ndichamugarisa mumba mangu nomuushe hwangu nokusingaperi; chigaro chake choushe chichasimbiswa nokusingaperi.”
15Natani akaudza Dhavhidhi mashoko awa ose, nezvose zvaakaratidzwa.
16Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, “Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?
17“Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Mwari, asi makataura pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya, mukandiitira sezvinoitirwa munhu anokudzwa kwazvo, Jehovha Mwari. 18Dhavhidhi angareveikozve kwamuri pamusoro pokukudzwa kwomuranda wenyu? Nokuti munoziva muranda wenyu. 19Jehovha makaita izvi zvikuru zvose nokuda kwomuranda wenyu, uye nokuda kwomwoyo wenyu, kuti muzivise zvinhu izvi zvose zvikuru. 20Jehovha, hakuna mumwe akafanana nemi, hakuna mumwe Mwari asi imi moga, sezvatakanzwa zvose nenzeve dzedu. 21Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikinurwa naMwari, vave vanhu vake, kuti imi mukurumbire nezvinhu zvikuru nezvinotyisa, zvamakadzinga ndudzi pamberi pavanhu venyu, vamakadzikinura paIjipiti? 22Nokuti vanhu venyu vaIsiraeri makavaita vanhu venyu paruzima nokusingaperi; imi Jehovha mukava Mwari wavo.
23“Zvino Jehovha shoko ramakataura pamusoro pomuranda wenyu napamusoro peimba yake ngarisimbiswe nokusingaperi, muite sezvamakataura. 24Uye zita renyu ngarisimbiswe nokukudzwa nokusingaperi, zvichinzi, ‘Jehovha wehondo ndiye Mwari waIsiraeri; ndiye Mwari kuna Isiraeri;’ imba yaDhavhidhi muranda wenyu ichamiswa pamberi penyu. 25Nokuti imi, Mwari wangu, makazivisa muranda wenyu kuti muchamumisira imba; saka muranda wenyu akatsunga kunyengetera pamberi penyu. 26Zvino Jehovha, ndimi Mwari, makapikira muranda wenyu chinhu ichi; 27zvino makafara nazvo kuropafadza imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi; nokuti imi Jehovha makairopafadza zvino icharopafadzwa nokusingaperi.”
Zvasarudzwa nguva ino
1 Makoronike 17: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002