Zekaria 4
4
Ciratidzo cecishanu, cecigadziko comŋenje nemiorivi miʋiri.
1Ɀino mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni wakaȿika ɀe, akandimutsa, somunhu unomutswa pahope dzake. 2Akati kwandiri: Unoʋoneiko? Ini ndikati: Ndakatarira, ndikaʋona cigadziko comŋenje cendarama yose, cineharyana yaco pamsoro paco, nemŋenje yaco minomŋe iri pamsoro paco; mŋenje mumŋe nomumŋe uri pamsoro paco unempombi nomŋe; 3ʋuye miti miʋiri yemiorivi parutiʋi rwaco, mumŋe kurutiʋi rworudyi rweharyana, nomumŋe kurutiʋi rworuɓoshwe. 4Ndikapindura ndikataura nomutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, ndiciti: Iɀi ɀinyiko, ishe waŋgu? 5Ipapo mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, wakapindura, akati kwandiri: Hauziʋi here kuti iɀi ɀinyiko? Ini ndikati: Kwete, ishe waŋgu. 6Ipapo akapindura, akataura neni, aciti: Ndiro shoko raJehova kunaZerubaberi, rinoti: Haɀiitwi nehondo kana nesimba, asi noMŋeya waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 7Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubaberi ucaitwa ɓani: iye ucaɓuɗisa ibge rokumsoro, aciɗanidzira aciti: Nyasha, nyasha ŋgadziʋe kwariri. 8Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: 9Maʋoko aZerubaberi akateya nheyo dzeimba ino, maʋoko ake acaipedzisa ʋo; ipapo iwe ucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakandituma kwauri. 10Nokuti ndiani wakashoʋora zuʋa reɀinhu ɀiɗuku? Nokuti awa manomŋe acafara ɀikuru, acaʋona rwonzi rwokuyera muruʋoko rwaZerubaberi; awa ndiwo meso aJehova anofamba pose‐pose panyika yose. 11Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari: Ko miorivi iyi miʋiri kurutiʋi rworudyi rwecigadziko nokurutiʋi rworuɓoshwe ɀinoti kuɗiniko? 12Ndikapindura ɀe rwecipiri, ndikati kwaari: Ko mataʋi awa maʋiri omuorivi ari kumatiʋi emiromo miʋiri, inoɗira mafuta endarama pairi, anoti kuɗiniko? 13Akandipindura, akati: Hauziʋi here kuti iɀi ɀinyiko? Ini ndikati: Kwete, ishe waŋgu. 14Ɀino akati: Aʋa ndiʋo ʋaʋiri ʋakazodzwa, ʋamire pamberi paShe wenyika yose.
Zvasarudzwa nguva ino
Zekaria 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018