Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zekaria 2

2
Ciratidzo cecitatu cokuyerwa kweJerusarema.
1Ɀino ndakarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona murume akaɓata rwonzi rwokuyera muruʋoko rwake. 2Ipapo ndikati: Unoendepiko? Iye akati kwandiri: Kundoyera Jerusarema, ndiʋone kufara kwaro nokureɓa kwaro. 3Ɀino tarira, mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, akaɓuɗa, mumŋe mutumŋa akandomuciŋgamidza, 4akati kwaari: Mhanya, undotaura nejaya iri, uti: Jerusarema ricagara semisha isinamaȿiŋgo, nokuɗa kwokuwanda kwaʋanhu neɀipfuwo ɀiri’mo. 5Nokuti ɀanzi naJehova: Ini ndicaʋa kwariri soruȿiŋgo rwomŋoto rwakapoteredza, ini ndicaʋa kubginya kwaro mukati maro. 6Nhai, imi, tizai panyika yokumsoro — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndakakuparadzirai semhepo inna dzokuɗeŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 7Nhai, Zioni, tiza, iwe ugere nomukunda weBabironi. 8Nokuti ɀanzi naJehova wehondo: Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nokuti unokugunɀai imi, unogunɀa mboni yeziso rake. 9Nokuti tarirai, ndicazunuŋgusa ruʋoko rwaŋgu pamsoro paʋo, ʋacaʋa cinhu cakapambga kunaiʋo ʋaiʋaɓatira; ipapo mucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakandituma. 10Imba ufare, iwe mukunda weZioni; nokuti tarira, ndinoʋuya, ndicagara mukati mako — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 11Ndudzi zhinji dzicanamatira Jehova nezuʋa iro, ʋakaʋa ʋanhu ʋaŋgu; ndicagara mukati mako, ipapo iwe ucaziʋa kuti ndiye Jehova wehondo wakandituma kwauri. 12Juda ʋacagarwa nhaka naJehova, ucaʋa mugoʋe wake munyika tȿene, ucaɀisanaŋgurira ɀe Jerusarema. 13Nyararai imi nyama yose pamberi paJehova; nokuti wamuka paʋugaro bgake ʋutȿene.

Zvasarudzwa nguva ino

Zekaria 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda