Naiɀoɀo hakucina‐kupiwa mhoȿa kunaʋari munaKristu Jesu. Nokuti murairo woMŋeya woʋupenyu munaKristu Jesu wakandisunuŋgura pamurairo weɀiʋi noworufu. Nokuti, ɀakaŋga ɀisiŋgakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuɗa kwenyama, Mŋari pakutuma kwake Mŋanakomana wake nomufananidzo wenyama yeɀiʋi, nokuɗa kweɀiʋi, wakapa mhoȿa ɀiʋi ɀiri munyama; kuti ɀakarebga nomurairo ɀiitike matiri, isu tisiŋgafambi nenyama, asi nomŋeya. Nokuti ʋari ʋenyama ʋanofuŋga ɀenyama: asi ʋari ʋomŋeya, ʋanofuŋga ɀomŋeya. Nokuti kufuŋga kwenyama ndirwo rufu; asi kufuŋga kwomŋeya ndibgo ʋupenyu norugare; nokuti kufuŋga kwenyama kunoʋeŋgana naMŋari; nokuti hakuɀiisi pasi pomurairo waMŋari; hakugoni ʋo; ɀino ʋari munyama haʋagoni kufadza Mŋari. Asi imi hamuzi munyama, asi mumŋeya, kana Mŋeya waMŋari acigara ɀirokwaɀo mukati menyu. Asi kana munhu asinoMŋeya waKristu, haazi wake. Kana Kristu ari mukati menyu, muʋiri wakafa nokuɗa kweɀiʋi, asi mŋeya mupenyu nokuɗa kwokururama.
Verenga chikamu ƲaRoma 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaRoma 8:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo