Ɀakazarurwa 20
20
Satani unosuŋgwa. Ʋatendi ʋanoɓata ʋushe pamŋe cete naKristu.
1Ɀino ndakaʋona mutumŋa aciɓuruka kuɗeŋga, anekiyi yegomba rakadzika‐dzika, neketani huru muruʋoko rwake. 2Akaɓata shato, nyoka yakare, ndiye Diaborosi naSatani, akamusuŋga makore anegumi ramazana, 3akamukandira mugomba rakadzika‐dzika, akamupfigira’mo, akaisa cisimbiso pamsoro pake, kuti arege kuzonyeŋgera marudzi kuȿikira makore anegumi ramazana apera; shure kwaiɀoɀo unofanira kusunuŋgurwa ciŋguʋa ciɗuku.
4Ipapo ndakaʋona ɀigaro ɀoʋushe, ʋakagara pamsoro paɀo, ʋakapiwa simba rokutoŋga; ndikaʋona mŋeya yaʋakaŋga ʋagurwa misoro nokuɗa kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMŋari, naʋose ʋasina‐kunamata cikara kana mufananidzo waco, ʋasina‐kupiwa ciratidzo pahuma dzaʋo naparuʋoko rwaʋo; ʋakararama ʋakaɓata ʋushe pamŋe cete naKristu makore anegumi ramazana. 5Ʋamŋe ʋakafa haʋanakurarama kuȿikira makore anegumi ramazana apera. Ndiko kumuka kwokutaŋga. 6Munhu unomugoʋe pakumuka kwokutaŋga wakaropafadzwa, mutȿene; rufu rwecipiri harunesimba pamsoro paiʋaʋa; asi ʋacaʋa ʋaprista ʋaMŋari naʋaKristu, ʋacaɓata ʋushe pamŋe cete naye makore anegumi ramazana.
Satani unosunuŋgurwa, ndokuzokundwa kwaɀo.
7Ɀino kana makore anegumi ramazana apera, Satani ucasunuŋgurwa mutoroŋgo yake, 8ucaɓuɗa kundonyeŋgera marudzi ose ari kumatiʋi manna enyika, iʋo Gogi naMagogi, aaʋuŋganidzire kundorwa; kuwanda kwaʋo kwakaita sejeca reguŋgwa. 9Ʋakakwira pakufara kwenyika, ʋakakomba misasa yaʋatȿene neguta rinoɗikanwa; ipapo mŋoto wakaɓuruka ucibva kuɗeŋga, ukaʋaparadza. 10Ɀino Diaborosi, wakaʋanyeŋgera, akakandwa mudziʋa romŋoto nesurferi, panecikara nomuprofita wenhema, kuti ʋarwadzwe masikati noʋusiku nokusiŋgaperi‐peri.
Kutoŋga kwokupedzisira.
11Ɀino ndakaʋona cigaro coʋushe cikuru cicena, naiye wakaŋga agere pamsoro paco, iye, nyika neɗeŋga ɀakatiza pamberi pake, ɀikasawanirwa nɀimbo. 12Ipapo ndakaʋona ʋakafa, ʋaɗuku naʋakuru, ʋamire pamberi pecigaro coʋushe; buku dzikazarurwa, neimŋe buku yoʋupenyu ikazarurwa; ʋakafa ʋakatoŋgwa neɀakaŋga ɀakanyorwa mubuku, seɀaʋakaɓata. 13Guŋgwa rikaɓuɗisa ʋakafa ʋakaŋga ʋari mariri; norufu neHadesi ɀikaɓuɗisa ʋakafa ʋakaŋga ʋari maɀiri; mumŋe nomumŋe akatoŋgwa seɀaakaɓata. 14Ipapo rufu neHadesi ɀakakandirwa mudziʋa romŋoto. Ndirwo rufu rwecipiri, ndiro dziʋa romŋoto. 15Ɀino kana munhu akawanikwa asina‐kunyorwa mubuku yoʋupenyu, wakakandirwa mudziʋa romŋoto.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀakazarurwa 20: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018