Ɀino kurwa kwakaʋa’po kuɗeŋga; Mikaeri naʋatumŋa ʋake ʋakarwa neshato, shato ikarwa inaʋatumŋa ʋayo; ʋakasakunda, nenɀimbo yaʋo hainakuzowanikwa kuɗeŋga. Ɀino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Diaborosi, naSatani, munyeŋgeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, naʋatumŋa ʋayo ʋakakandirwa pasi pamŋe cete nayo. Ndikanzwa inzwi guru kuɗeŋga, riciti: Ɀino ruponeso rwaȿika, nesimba, noʋushe bgaMŋari weɗu, noʋumambo bgaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzeɗu wakakandirwa pasi, wakaʋapomera pamberi paMŋari weɗu masikati noʋusiku. Iʋo ʋakamukunda neropa reGwaiana, ʋuye neshoko rokupupura kwaʋo; haʋana‐kuɗa ʋupenyu bgaʋo kuȿikira parufu. Saka farai kuɗeŋga nemi munogara’ko. Munenhamo imi nyika neguŋgwa, nokuti mŋeya wakaipa wakaɓurukira kwamuri, akatsamŋa kwaɀo, nokuti unoziʋa kuti ucineŋguʋa ɗuku.
Shato yakati yaʋona kuti yakandirwa pasi panyika, ikatambudza mukadzi wakaɀara mŋana womukomana. Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maʋiri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunɀimbo yake, kwaanoceŋgeterwa ŋguʋa nedzimŋe ŋguʋa nehafu yeŋguʋa, kwaasiŋgaʋonekwi nenyoka. Ipapo nyoka yakaɓuɗisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi, kuti akukurwe norwizi. Ipapo nyika yakaɓatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakaɓuɗiswa neshato mumuromo mayo. Ɀino shato yakatsamŋira mukadzi, ikaenda kundorwa naʋamŋe ʋana ʋake, ʋanoceŋgeta mirairo yaMŋari, naʋanoɓata kupupura kwaJesu.