Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 54:1-7

Mapisarema 54:1-7 SUB1949

Ndirwirei Mŋari, nezita renyu, Nditoŋgerei nesimba renyu. Inzwai munyeŋgetero waŋgu, Mŋari; Rerekerai nzeʋe yenyu munzwe mashoko omuromo waŋgu. Nokuti ʋatorwa ʋakandimukira, Ʋamanikidzi ʋakatȿaka mŋeya waŋgu. Haʋana‐kuisa Mŋari pamberi paʋo. Tarirai, Mŋari ndiye muɓatsiri waŋgu. Ishe uri pakati paʋanotsigira mŋeya waŋgu. Ucatsiʋa ɀakaipa kuʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Muʋaparadze nokutendeka kwenyu. Ndicakuɓayirai necipiriso cokuŋgopa nokuɀiɗira; Ndicaʋoŋga zita renyu, Jehova, nokuti rakanaka. Nokuti wakandirwira pakutambudzika kwose; Ziso raŋgu rakaʋona kukundwa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu.