Ndirwirei Mŋari, nezita renyu, Nditoŋgerei nesimba renyu. Inzwai munyeŋgetero waŋgu, Mŋari; Rerekerai nzeʋe yenyu munzwe mashoko omuromo waŋgu. Nokuti ʋatorwa ʋakandimukira, Ʋamanikidzi ʋakatȿaka mŋeya waŋgu. Haʋana‐kuisa Mŋari pamberi paʋo. Tarirai, Mŋari ndiye muɓatsiri waŋgu. Ishe uri pakati paʋanotsigira mŋeya waŋgu. Ucatsiʋa ɀakaipa kuʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Muʋaparadze nokutendeka kwenyu. Ndicakuɓayirai necipiriso cokuŋgopa nokuɀiɗira; Ndicaʋoŋga zita renyu, Jehova, nokuti rakanaka. Nokuti wakandirwira pakutambudzika kwose; Ziso raŋgu rakaʋona kukundwa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu.
Verenga chikamu Mapisarema 54
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 54:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo