Ƃenzi rakati mumŋoyo maro: Mŋari hakuna. Ʋakaʋora, ʋakaita ɀakaipa ɀinonyaŋgadza; Hakuna‐unoita ɀakanaka. Mŋari, ari kuɗeŋga, wakatarira pasi kuʋana ʋaʋanhu, Kuti aʋone kana wakacenjera ari’po, Unotȿaka Mŋari. Mumŋe nomumŋe waʋo wakadzokera shure; ʋakaȿiɓiswa pamŋe cete; Hakuna‐unoita ɀakanaka, kunyaŋge nomumŋe. Ko ʋaiti ʋeɀakaipa haʋaneziʋo here? Iʋo ʋanodya ʋanhu ʋaŋgu seciŋgwa, Ʋasiŋgaɗani kunaMŋari. Ʋaitya kwaɀo ipapo, pakaŋga pasina‐cinotyisa; Nokuti Mŋari wakaparadza mafupa aiye wakaŋga akakukomba; Iwe wakaʋanyadzisa, nokuti Mŋari wakaʋarasha. Ƌayi kuponeswa kwaIsraeri kwaibva paZioni! Kana Mŋari acidzosa ʋanhu ʋake pakutapxa, Ipapo Jakobo ucafara kwaɀo, naIsraeri ucafara.
Verenga chikamu Mapisarema 53
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 53:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo