Mapisarema 41
41
Munyeŋgetero pakurwara.
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.
1Wakakomborerwa unehanya naʋarombo;
Jehova ucamurwira nomusi weɀakaipa.
2Jehova ucamuceŋgeta nokumuraramisa, ucakomborerwa panyika;
Hamuŋgamuisi pakuɗa kwaʋaʋeŋgi ʋake.
3Jehova ucamutsigira panhoʋo yoʋurwere;
Munoshandura nhoʋo dzake dzose pakurwara kwake.
4Ini ndakati: Jehova, ndinzwirei tsitsi;
Poresai mŋeya waŋgu; nokuti ndakakutadzirai.
5Ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋanotaura ɀakaipa pamsoro paŋgu, ʋaciti:
Ucagofa riniko, zita rake riroʋe?
6Kana mumŋe aciʋuya kuzondiʋona, unotaura ɀisinamaturo;
Mŋoyo wake unoɀiʋuŋganidzira ɀakaipa;
Kana oɓuɗa kumŋe, unoɀiparidza.
7Ʋose, ʋanondiʋeŋga, ʋanoita zeʋe‐zeʋe pamŋe cete pamsoro paŋgu;
Ʋanoraŋgana kundikuʋadza.
8Cinhu cakaipa cakamunamatira — ndiɀo ɀaʋanotaura;
Ɀino ɀaaʋata pasi, haacazomuki ɀe.
9Haiwa, kunyaŋge shamŋari yaŋgu caiyo, wandaiʋimba naye, waidya ɀokudya ɀaŋgu,
Naiye wandisimudzira cicitsinho cake.
10Asi imi Jehova, ndinzwirei tsitsi, mundisimudzei,
Kuti ndiʋatsiʋe.
11Ndinoziʋiswa necinhu ici kuti munofadzwa neni,
Nokuti muʋeŋgi waŋgu haandikundi.
12Kana ndiri’ni munonditsigira pakururama kwaŋgu,
Munondiisa pamberi penyu nokusiŋgaperi.
13Jehova, Mŋari waIsraeri, ŋgaaʋoŋgwe,
Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakusiŋgaperi.
Ameni, ɀirokwaɀo Ameni.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 41: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018