Asi imi Jehova, regai kuʋa kure neni; Imi simba raŋgu, kurumidzai kundiɓatsira. Rwirai mŋeya waŋgu pamunondo; Muɗikanwa waŋgu pasimba rembga. Ndiponesei pamuromo weshumba; Ɀirokwaɀo, makandipindura ndiri pakati penyaŋga dzenyati. Ndicaɗudzira zita renyu kuhama dzaŋgu; Ndicakurumbidzai pakati peʋuŋgano. Imi munotya Jehova, murumbidzei; Imi mose ʋana ʋaJakobo, mukudzei; Mumutyei, imi mose ʋana ʋaIsraeri. Nokuti haana‐kuɀidza kana kusema ɗambudziko rounotambudzwa; Kana kumuʋanzira ciso cake; Asi paŋguʋa yaakacema kwaari wakamunzwa. Kurumbidza kwaŋgu paʋuŋgano huru kunobva kwamuri; Ndicaripa mhiko dzaŋgu pamberi paʋanomutya. Ʋanyoro ʋacadya ʋakaguta; Ʋanotȿaka Jehova ndiʋo ʋacamurumbidza; Mŋoyo yenyu ŋgairarame nokusiŋgaperi. Migumo yose yenyika icaraŋgarira nokudzokera kunaJehova; Marudzi ose aʋahedeni acanamata kwamuri. Nokuti ʋushe ndobgaJehova; Ndiye muɓati waʋahedeni. Ʋakuru ʋose ʋenyika ʋacadya nokunamata; Ʋose ʋanoɓurukira kuguruʋa ʋacafugama pamberi pake, Naiye usiŋgagoni kuraramisa mŋeya wake. Ʋana ʋake ʋacanamata kwaari; Rudzi runoteʋera rucaʋudzwa ɀaJehova. Ʋacaʋuya ʋaciɗudzira kururama kwake Kuʋanhu ʋacazoɀarwa, kuti ndiye wakaɀiita.
Verenga chikamu Mapisarema 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 22:19-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo