Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 22:1-18

Mapisarema 22:1-18 SUB1949

Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundiɓatsira, napamashoko okugomba kwaŋgu? Mŋari waŋgu, ndinoɗana masikati, asi hamupinduri; Noʋusiku, asi handiwani zororo. Asi imi muri mutȿene, Imi mugere parumbidzo dzaIsraeri. Madziɓaɓa eɗu akaʋimba nemi; Ʋakaʋimba, imi mukaʋarwira. Ʋakacema kwamuri, ʋakarwirwa; Ʋakaʋimba nemi, ʋakasanyadziswa. Asi ini ndiri honye, handizi munhu; Ndiri cinhu cinoɀidzwa naʋanhu, cinoshoʋorwa naʋanhu ʋose. Ʋose, ʋanondiʋona ʋanondiseka; Ʋanoshamisa muromo, ʋanodzuŋgudza misoro, ʋaciti: Ciɀiisai kunaJehova; iye ŋgaamurwire; Ŋgaamurwire, ɀaanomufarira iye. Asi ndimi makandiɓuɗisa paciɀaro; Makandiʋimbisa nemi ndiciri pamazamu amai ʋaŋgu. Ndakaiswa kwamuri kubva paciɀaro; Imi muri Mŋari waŋgu kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu. Regai kuʋa kure neni; nokuti njodzi iri pedyo; Nokuti hapana‐uŋgaɓatsira. Hando zhinji dzakandikomba; Hando dzinesimba dzaBashani dzakandipoteredza. Dzinondishamisira miromo yadzo, Seshumba inoparadza iciʋomba. Ndakaɗururwa semvura, Mafupa aŋgu ose akaȿoɗogoka; Mŋoyo waŋgu wakafanana nenamo; Wakanyauka mukati moʋura bgaŋgu. Simba raŋgu rakawoma secaeŋga; Rurimi rwaŋgu rwakanamatira pashaya dzaŋgu; Makandiisa paguruʋa rorufu. Nokuti imbga dzakandikomberedza; Ʋuŋgano yaʋanoita ɀakaipa yakandipoteredza; Ʋakabvoʋora maʋoko aŋgu namakumbo aŋgu; Ndiŋgaʋereŋga mafupa aŋgu ose; Ʋanonditarira nokundinaŋanidza; Ʋanogoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, Ʋanokanda mijenya pamsoro pehanzu yaŋgu.