Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 18:1-29

Mapisarema 18:1-29 SUB1949

Ndinokuɗisai, Jehova, simba raŋgu. Jehova iɗombo raŋgu, nenhare yaŋgu, nomurwiri waŋgu; Mŋari waŋgu, ɗombo raŋgu, wandicaʋimba naye; Nhoʋo yaŋgu, norunyaŋga rwokuponeswa kwaŋgu, shoŋgwe yaŋgu yakakwirira. Ndicaɗana kunaJehova, iye unofanirwa nokurumbidzwa; Naiɀoɀo ndicaponeswa kunaʋaʋeŋgi ʋaŋgu. Maɓote orufu akandikomba; Ʋuye nzizi dzeɀakaipa dzakandivundusa. Maɓote eSheori akandisuŋga; Misuŋgo yorufu yakandiwira. Pakutambudzika kwaŋgu ndakaɗana kunaJehova, Ndikaɗana kunaMŋari waŋgu; Akanzwa inzwi raŋgu ari mutembere yake; Kucema kwaŋgu pamberi pake kukaȿika munzeʋe dzake. Ipapo nyika yakazunuŋguka, ikaɗeɗera; Nheyo dzamakomo ʋo dzakaɗeŋgenyeka, Dzikazunuŋguswa, nokuti wakaŋga akatsamŋa. Ʋutsi bgakakwira ʋucibva mumhino dzake, Ʋuye mŋoto wakaɓuɗa mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akaɓatidzwa nawo. Wakakotamisa kuɗeŋga‐ɗeŋga ʋo, akaɓuruka; Nerima guru rakaŋga riri pasi petsoka dzake. Wakataȿa kerubi, akabururuka; Ɀirokwaɀo, wakabururuka pamapapiro emhepo. Rima wakariita nɀimbo yake yokuʋanda, tente rake rakamupoteredza; Kuȿiɓa kwemvura zhinji, namakore matema okuɗeŋga. Nokupenya kwakaŋga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuʋura, Necimvuramabge namazimbe omŋoto. Jehova wakatinhira ʋo kuɗeŋga‐ɗeŋga, Wokumsoro‐soro wakataura nenzwi rake; Cimvuramabge namazimbe omŋoto. Wakatuma miseʋe yake, akaʋaparadza; Ɀirokwaɀo, nemheni zhinji, akaʋavundusa. Ipapo migero yemvura zhinji yakaʋonekwa, Ʋuye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehova, Nokufema kwomŋeya wemhino dzenyu. Wakatambunudza ruʋoko rwake ari kumsoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji. Wakandirwira pamuʋeŋgi waŋgu unesimba, Nokunaʋanondiʋeŋga, nokuti ʋakaŋga ʋondikurira. Ʋakandiʋiŋga nezuʋa renjodzi yaŋgu, Asi Jehova wakaŋga ari mutsigiri waŋgu. Wakandiɓuɗisira kunɀimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti wakaŋga acindifarira. Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu, Akandipa muɓairo wakaenzana nokucena kwamaʋoko aŋgu. Nokuti ndakaceŋgeta nzira dzaJehova, Handina‐kubva kunaMŋari waŋgu nokunyeŋgera. Nokuti ɀose ɀaakatoŋga ɀakaŋga ɀiri pamberi paŋgu, Handina‐kusundira kure neni ɀaakatema. Ndakaŋga ndakarurama ʋo kwaari, Ndakaɀiceŋgeta ini paɀakaipa ɀaŋgu. Naiɀoɀo Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu, Ɀakaenzana nokucena kwamaʋoko aŋgu pamberi pake. Uneŋgoni munomuitira ʋo neŋgoni, Nomunhu wakarurama kwaɀo, munomuitira ʋo ɀakarurama; Wakanaka munomuitira ʋo ɀakanaka, Nowakatsauka, munomuitira ʋo nehasha. Nokuti mucaponesa ʋanhu ʋanotambudzika; Asi mucaɗeredza meso aʋanoɀikudza. Nokuti imi mucatuŋgidza mŋenje waŋgu; Jehova Mŋari waŋgu ucavenekera rima raŋgu. Nokuti nemi ndicaʋamba hondo, Kana ndinaMŋari waŋgu ndicaɗarika ruȿiŋgo.