Mapisarema 133
133
Kunaka kworuɗo pakati pehama.
Rwiyo rworwendo; rwaDavidi.
1Tarirai, kunaka kwaɀo nokufadza kwaɀo
Kana hama dzicigara pamŋe cete norugare.
2Ɀakafanana namafuta anokosha ari pamusoro,
Anoyerera pandebvu,
Idzo ndebvu dzaAroni;
Anoɓurukira kuȿikira pamipendero yeŋguʋo dzake;
3Ɀakafanana neɗoʋa reHermoni,
Rinoɓurukira pamakomo eZioni;
Nokuti ndipo Jehova paakaraira kuropafadza kwake,
Ndibgo ʋupenyu ʋusiŋgaperi.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 133: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018