Mapisarema 126
126
Mufaro waʋakadzoka pakutapxa.
Rwiyo rworwendo.
1Jehova paŋguʋa yaakadzosa ʋatapxa ʋeZioni,
Isu takaŋga takafanana naʋanorota hope.
2Paŋguʋa iyo muromo weɗu wakaŋga uzere nokuseka,
Norurimi rweɗu nokuimba;
Ipapo pakati paʋahedeni ʋakati:
Jehova wakaʋaitira ɀinhu ɀikuru;
3Jehova wakatiitira ɀinhu ɀikuru;
Isu tinofara.
4Dzosai ʋatapxa ʋeɗu, Jehova,
Sehoʋa panyika yeNyasi.
5Ʋanodɀara nemisodzi ʋacakohwa nomufaro.
6Unofamba‐famba, acicema, akatakura tsama yembeu,
Ucadzoka nomufaro akatakura ɀisote ɀake.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 126: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018