Mapisarema 123
123
Tarirai kunaJehova, muʋimbe naye.
Rwiyo rworwendo.
1Ndinosimudzira meso aŋgu kwamuri,
Iyemi, munogara kuɗeŋga.
2Tarirai, meso aʋaranda seɀaanotarira ruʋoko rwatenzi waʋo,
Ʋuye meso omurandakadzi seɀaanotarira ruʋoko rwatenzikadzi wake;
Saiɀoɀo meso eɗu anotarira kunaJehova Mŋari weɗu,
Kuȿikira atinzwira nyasha.
3Tinzwirei nyasha, Jehova, tinzwirei nyasha;
Nokuti tapera kwaɀo nokuɀidzwa.
4Mŋeya weɗu wapera cose
Nokushoʋora kwaʋanogara haʋo ɀakanaka,
Ʋuye noruɀidzo rwaʋanoɀikudza.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 123: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018