Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:73-96

Mapisarema 119:73-96 SUB1949

Maʋoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu. Ʋanokutyai ʋacandiʋona ndokufara; Nokuti ndakatarira shoko renyu. Ndinoziʋa, Jehova, kuti ɀamakatoŋga ɀakarurama, Ʋuye kuti makanditambudza nokutendeka. Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Seɀamakareʋa kumuranda wenyu. Ʋunyoro bgenyu ŋgaʋuʋuye kwandiri, kuti ndirarame; Nokuti murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Ʋanoɀikudza ŋgaʋanyadziswe; nokuti ʋakandiitira ɀakaipa ndisinemhoȿa; Asi ndicafuŋgisisa ɀireʋo ɀenyu. Ʋanokutyai ŋgaʋadzokere kwandiri, Ʋagoziʋa ɀipupuriro ɀenyu. Mŋoyo waŋgu ŋgaururame pamitemo yenyu; Kuti ndirege kunyadziswa. Mŋeya waŋgu unopaŋga kuponesa kwenyu; Asi ndinotarira shoko renyu. Meso aŋgu anopera nokutsaka shoko renyu, Ndiciti: Mucandinyaradza riniko? Nokuti ndaʋa sehomboɗo iri muʋutsi; Kunyaŋge ɀakaɗaro handikaŋganwi mitemo yenyu. Mazuʋa omuranda wenyu maŋganiko? Mucatoŋga riniko ʋanonditambudza? Ʋanoɀikudza ʋakandicerera hunza, Iʋo ʋasiŋgatereri murau wenyu. Mirairo yenyu yose yakatendeka; Ʋanonditambudza ndisinemhoȿa; ndiɓatsirei imi. Ʋakaŋga ʋoɗa‐kundiparadza pasi; Asi handina‐kusiya ɀireʋo ɀenyu. Ndiponesei nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu; Naiɀoɀo ndicaceŋgeta cipupuriro comuromo wenyu. Shoko renyu rakasimba kuɗeŋga Nokusiŋgaperi, Jehova. Kutendeka kwenyu kunoȿika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere. Ɀinoramba ɀigere nanhasi seɀamakatema; Nokuti ɀinhu ɀose ʋaranda ʋenyu. Ƌai murau wenyu usina‐kuʋa mufaro waŋgu mukuru, Ndiŋgaɗai ndakaparara neɗambudziko raŋgu. Handiŋgatoŋgokaŋganwi ɀireʋo ɀenyu; Nokuti makandiponesa naɀo. Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu. Ʋakaipa ʋakandigarira kuti ʋandiparadze; Asi ndicafuŋga ɀipupuriro ɀenyu. Ndakaʋona kuguma kweɀose ɀakakwana, Asi murairo wenyu mupamhi kwaɀo.