Mŋeya waŋgu unonamatira guruʋa; Ndiponesei neshoko renyu. Ndakaɗudzira nzira dzaŋgu, imi mukandipindura; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yeɀireʋo ɀenyu; Ipapo ndicafuŋgisisa maɓasa enyu anoshamisa. Mŋeya waŋgu unonyuŋguruka nokuremerwa; Ndisimbisei seɀinorebga neshoko renyu. Bvisai kwandiri nzira yenhema; Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu. Ndakasanaŋgura nzira yakatendeka; Ndakaisa ɀamakatoŋga pamberi paŋgu. Ndinonamatira ɀipupuriro ɀenyu; Jehova, regai kundinyadzisa. Ndicamhanya nenzira yemirairo yenyu, Kana muneŋge makurisa mŋoyo waŋgu. Ndidzidzisei, Jehova, nzira yemitemo yenyu; Ndigoiceŋgeta kuȿikira pakuguma. Ndipei njere, ndiceŋgete murau wenyu; Ɀirokwaɀo, ndicauceŋgeta nomŋoyo waŋgu wose. Ndifambisei munzira yemirairo yenyu; Nokuti ndinoifarira kwaɀo. Kweʋerai mŋoyo waŋgu kuɀipupuriro ɀenyu, Urege kukweʋerwa mukuciʋa. Dzorai meso aŋgu ndirege kuʋona ɀisinamaturo, Mundiponese panzira dzenyu. Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu, Rakakwanira ʋanokutyai. Bvisai kushoʋorwa kwaŋgu kwandinotya, Nokuti ɀamakatoŋga ɀakanaka. Tarirai, ndakashuʋa ɀireʋo ɀenyu; Ndiponesei mukururama kwenyu. Ŋgoni dzenyu ŋgadziʋuye ʋo kwandiri, Jehova, Iko kuponesa kwenyu, seɀinoreʋa shoko renyu. Naiɀoɀo ndicagona kupindura unondishoʋora; Nokuti ndinoʋimba neshoko renyu. Regai kubvisa shoko reɀokwaɗi cose pamuromo waŋgu; Nokuti ndakatarira ɀamakatoŋga. Naiɀoɀo ndicasiceŋgeta murau wenyu Nokusiŋgaperi‐peri. Ndicasifamba ndakasunuŋguka, Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu. Ndicataura ʋo ɀipupuriro ɀenyu pamberi pamadzimambo, Ndisiŋganyadziswi. Ndicaɀifadza kwaɀo nemirairo yenyu, Yandinoɗa. Ndicasimudzira ʋo maʋoko aŋgu kumirairo yenyu, yandinoɗa; Ndicafuŋgisisa mitemo yenyu.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:25-48
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo