Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:145-176

Mapisarema 119:145-176 SUB1949

Ndakaɗana nomŋoyo waŋgu wose; ndipindurei, Jehova; Ndicaceŋgeta mitemo yenyu. Ndakaɗana kwamuri; ndiponesei, Ndigoceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu. Ndakataŋgira mambakwedza, ndikaɗana; Ndakatarira mashoko enyu. Meso aŋgu akataŋgira ŋguʋa dzoʋusiku, Kuti ndifuŋgisise shoko renyu. Inzwai inzwi raŋgu nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu; Ndiponesei Jehova, seɀinoreʋa ɀamakatoŋga. Ʋanoteʋera ɀakaipa ʋosweɗera pedyo; Ʋari kure nomurau wenyu. Imi muri pedyo, Jehova; Mirairo yenyu iɀokwaɗi. Kubva kare ndakaziʋa neɀipupuriro ɀenyu Kuti makaɀiteya nokusiŋgaperi. Tarirai ɗambudziko raŋgu, mundirwire; Nokuti handikaŋganwi murau wenyu. Ndireʋerei mhoȿa yaŋgu, mundidzikinure; Ndiponesei seɀinoreʋa shoko renyu. Kuponeswa kuri kure naʋakaipa; Nokuti haʋatȿaki mitemo yenyu. Ŋgoni dzenyu izhinji, Jehova; Ndiponesei seɀinoreʋa ɀamakatoŋga. Ʋatambudzi ʋaŋgu naʋadziʋisi ʋaŋgu ʋazhinji; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀipupuriro ɀenyu. Ndakaʋona ʋanyeŋgedzeri, ndikaʋasema; Nokuti haʋana‐kuceŋgeta shoko renyu. Fuŋgai kuti ndinoɗa ɀireʋo ɀenyu; Ndiponesei, Jehova, nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu. Ʋuŋganidzo yeshoko renyu iɀokwaɗi; Ɀose ɀamakatoŋga, ɀakarurama, ɀinogara nokusiŋgaperi. Macinda akanditambudza ndisinemhoȿa; Asi mŋoyo waŋgu unotya shoko renyu. Ndinofarira shoko renyu kwaɀo, Somunhu wawana ɀizhinji ɀakapambga. Nhema ndinodziʋeŋga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda. Ndinokurumbidzai kanomŋe pazuʋa, Nokuɗa kweɀakarurama ɀamakatoŋga. Ʋanoɗa murau wenyu ʋanorugare rukuru; Hapana‐cinoʋagumbusa. Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehova, Ndikaita mirairo yenyu. Mŋeya waŋgu wakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu; Ndinoɀiɗa kwaɀo. Ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu neɀipupuriro ɀenyu; Nokuti nzira dzaŋgu dzose dziri pamberi penyu. Kuɗana kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu, Jehova; Ndipei njere seɀinoreʋa shoko renyu. Kukumbira kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu; Ndirwirei seɀinoreʋa shoko renyu. Miromo yaŋgu ŋgairumbidze; Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwaŋgu ŋgaruimbe shoko renyu; Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama. Ruʋoko rwenyu ŋgarundiɓatsire; Nokuti ndakasanaŋgura ɀireʋo ɀenyu. Ndakashuʋa kuponesa kwenyu, Jehova; Murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Mŋeya waŋgu ŋgaurarame, ugokurumbidzai; Neɀamakatoŋga ŋgaɀindiɓatsire. Ndakadzuŋgaira segwai rakarashika; tȿakai muranda wenyu; Nokuti handikaŋganwi mirairo yenyu.