Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:1-72

Mapisarema 119:1-72 SUB1949

Ʋakaropafadzwa aʋo ʋanenzira yakarurama, Ʋanofamba mumurau waJehova. Ʋakaropafadzwa ʋanoceŋgeta ɀipupuriro ɀake, Ʋanomutȿaka nomŋoyo wose. Ɀirokwaɀo, haʋaiti cinhu cisina‐kururama, Ʋanofamba munzira dzake. Makatiraira ɀireʋo ɀenyu, Kuti tiɀiceŋgete ɀakanaka. Haiwa, ɗai nzira dzaŋgu dzakagadzirirwa Kuceŋgeta mitemo yenyu! Ipapo handiŋganyadziswi, Kana ndiciraŋgarira mirairo yenyu yose. Ndicakuʋoŋgai nomŋoyo wakarurama, Kana ndicidzidza ɀamakatoŋga ɀakarurama. Ndicaceŋgeta mitemo yenyu; Haiwa, regai kundirasha cose. Jaya riŋgaramba ricinatsa nzira yaro neiko? Kana riciicenjerera seɀinoraira shoko renyu. Ndakakutȿakai nomŋoyo waŋgu wose; Musanditendera kutsauka pamirairo yenyu. Shoko renyu ndakariʋiga mumŋoyo waŋgu, Kuti ndirege kukutadzirai. Imi munofanira kukudzwa, Jehova; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndakaɗudzira nemiromo yaŋgu Ɀose ɀamakatoŋga nomuromo wenyu. Ndakafara kwaɀo munzira yeɀipupuriro ɀenyu, Seɀandinofarira fuma yose. Ndicafuŋgisisa ɀireʋo ɀenyu, Nokuraŋgarira nzira dzenyu. Ndicaɀifadza nemitemo yenyu; Handiŋgakaŋganwi shoko renyu. Itirai muranda wenyu ɀakanaka, kuti ndirarame; Ipapo ndicaceŋgeta shoko renyu. Ndiȿinudzei meso aŋgu, kuti ndiʋone Ɀinhu ɀinoshamisa ɀiri pamurau wenyu. Nokuti ndiri mutorwa panyika; Regai kundiʋanzira mirairo yenyu. Mŋeya waŋgu wapera nokushuʋa Paŋguʋa dzose ɀamakatoŋga. Makaraira ʋanoɀikudza, Ŋgaʋatukwe ʋanotsauka pamirairo yenyu. Bvisai kwandiri kushoʋorwa nokuɀidzwa; Nokuti ndakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu. Macinda ʋo akagara akandireʋa; Asi muranda wenyu wakafuŋgisisa mitemo yenyu. Ɀipupuriro ɀenyu ʋo ɀinondifadza kwaɀo, Ndiɀo ɀinondipa mano. Mŋeya waŋgu unonamatira guruʋa; Ndiponesei neshoko renyu. Ndakaɗudzira nzira dzaŋgu, imi mukandipindura; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yeɀireʋo ɀenyu; Ipapo ndicafuŋgisisa maɓasa enyu anoshamisa. Mŋeya waŋgu unonyuŋguruka nokuremerwa; Ndisimbisei seɀinorebga neshoko renyu. Bvisai kwandiri nzira yenhema; Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu. Ndakasanaŋgura nzira yakatendeka; Ndakaisa ɀamakatoŋga pamberi paŋgu. Ndinonamatira ɀipupuriro ɀenyu; Jehova, regai kundinyadzisa. Ndicamhanya nenzira yemirairo yenyu, Kana muneŋge makurisa mŋoyo waŋgu. Ndidzidzisei, Jehova, nzira yemitemo yenyu; Ndigoiceŋgeta kuȿikira pakuguma. Ndipei njere, ndiceŋgete murau wenyu; Ɀirokwaɀo, ndicauceŋgeta nomŋoyo waŋgu wose. Ndifambisei munzira yemirairo yenyu; Nokuti ndinoifarira kwaɀo. Kweʋerai mŋoyo waŋgu kuɀipupuriro ɀenyu, Urege kukweʋerwa mukuciʋa. Dzorai meso aŋgu ndirege kuʋona ɀisinamaturo, Mundiponese panzira dzenyu. Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu, Rakakwanira ʋanokutyai. Bvisai kushoʋorwa kwaŋgu kwandinotya, Nokuti ɀamakatoŋga ɀakanaka. Tarirai, ndakashuʋa ɀireʋo ɀenyu; Ndiponesei mukururama kwenyu. Ŋgoni dzenyu ŋgadziʋuye ʋo kwandiri, Jehova, Iko kuponesa kwenyu, seɀinoreʋa shoko renyu. Naiɀoɀo ndicagona kupindura unondishoʋora; Nokuti ndinoʋimba neshoko renyu. Regai kubvisa shoko reɀokwaɗi cose pamuromo waŋgu; Nokuti ndakatarira ɀamakatoŋga. Naiɀoɀo ndicasiceŋgeta murau wenyu Nokusiŋgaperi‐peri. Ndicasifamba ndakasunuŋguka, Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu. Ndicataura ʋo ɀipupuriro ɀenyu pamberi pamadzimambo, Ndisiŋganyadziswi. Ndicaɀifadza kwaɀo nemirairo yenyu, Yandinoɗa. Ndicasimudzira ʋo maʋoko aŋgu kumirairo yenyu, yandinoɗa; Ndicafuŋgisisa mitemo yenyu. Raŋgarirai shoko renyu kumuranda wenyu, Nokuti makandimutsira tariro. Ndiɀo ɀinondinyaradza pakutambudzika kwaŋgu; Nokuti shoko renyu rakandiponesa. Ʋanoɀikudza ʋakandiseka kwaɀo; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka pamurau wenyu. Ndakaraŋgarira ɀamakatoŋga kare‐kare, Jehova, Ndikaɀinyaradza. Kutsamŋa kukuru kwakandiɓata, Nokuɗa kwaʋakaipa ʋanorasha murau wenyu. Mitemo yenyu yaiʋa nziyo dzaŋgu Mumba moʋutorwa bgaŋgu. Ndakaraŋgarira zita renyu, Jehova, ʋusiku, Ndikaceŋgeta murau wenyu. Ndiɀo ɀandakaŋga ndinaɀo, Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Jehova ndiye mugoʋe waŋgu; Ndakati, ndicaceŋgeta mashoko enyu. Ndakakumbira ciso cenyu nomŋoyo waŋgu wose; Ndinzwirei nyasha, seɀinoreʋa shoko renyu. Ndakafuŋga nzira dzaŋgu, Ndikadzorera tsoka dzaŋgu kuɀipupuriro ɀenyu. Ndakakurumidza, handina‐kunonoka Kuceŋgeta mirairo yenyu. Maɓote aʋakaipa akandimonera; Asi handina‐kukaŋganwa murau wenyu. Ndicamuka pakati poʋusiku kuti ndikuʋoŋgei Pamsoro peɀamakatoŋga ɀakarurama. Ndiri shamŋari yaʋose ʋanokutyai, Neyaʋanoceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Jehova, pasi pazere neŋgoni dzenyu; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Makaitira muranda wenyu ɀakanaka, Jehova, seɀinoreʋa shoko renyu. Ndidzidzisei ʋuŋgwaru bgakanaka nenjere; Nokuti ndakatenda mirairo yenyu. Ndakati ndicigere kutambudzika ndikarashika; Asi ɀino ndinoceŋgeta shoko renyu. Imi makanaka, ʋuye munoita ɀakanaka; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ʋanoɀikudza ʋakandipomera nhema; Ndicaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu nomŋoyo waŋgu wose. Mŋoyo waʋo wakakora samafuta; Asi ini ndinofarira murau wenyu kwaɀo. Ɀakaŋga ɀakanaka kuti nditambudzike; Kuti ndidzidze mitemo yenyu. Murau womuromo wenyu wakanaka kwandiri Kukunda ɀuru ɀamazana ɀendarama nesirveri.