Mŋanakomana waŋgu, ceŋgeta murairo waɓaɓa ʋako; Usarasha kudzidzisa kwamai ʋako. Uɀisuŋgire ŋguʋa dzose pamŋoyo wako; Uɀishoŋge pamutsipa wako. Kana ucifamba, ɀicakutuŋgamirira; Kana uciʋata pasi, ɀicakurinda; Kana womuka, ɀicataurirana newe. Nokuti murairo ndiwo mŋenje; murau ndico ciedza; Kuraira kwokurairirwa inzira yoʋupenyu; Kuti uceŋgetwe pamukadzi wakaipa, Pakuɓata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usaciʋa kunaka kwake mumŋoyo mako; Arege kukuɓata namafuŋgiro ameso ake. Nokuti nokuɗa kwecifeʋe munhu uŋgaȿikira pakudya cimeɗu ɓedzi ceciŋgwa; Mukadzi womumŋe munhu unovima ʋupenyu ʋunokosha. Ko munhu uŋgaisa mŋoto mucifuʋa cake, Ŋguʋo dzake dzikasatȿa here?
Verenga chikamu Ɀireʋo 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 6:20-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo