Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 29:1-14

Ɀireʋo 29:1-14 SUB1949

Munhu wakarairwa kazhinji, aciwomesa mutsipa wake, Ucaparadzwa pakarepo, kusina‐ciŋgamuɓatsira. Kana ʋakarurama ʋowanda, ʋanhu ʋanofara; Asi kana munhu wakaipa aciɓata ʋushe, ʋanhu ʋanogomera. Aninani unoɗa ʋucenjeri, unofadza ɓaɓa ʋake; Asi unoshamŋaridzana neɀifeʋe, unorasha fuma yake. Mambo unosimbisa nyika yake nokururamisa; Asi munhu wemitero, unoiparadza. Munhu unoɓata wokwake kumeso, Unodzikira tsoka dzake mumbure. Pakuɗarika kwomunhu wakashata panomusuŋgo; Asi wakarurama ucaimba nokufara kwaɀo. Wakarurama unoziʋa kururamisira mhaka dzaʋarombo; Asi wakaipa haanzwisisi ziʋo. Ʋaɗaɗi ʋanopisira guta; Asi ʋakacenjera ʋanodzora kutsamŋa. Kana munhu wakarurama anemhaka neɓenzi, Iye ucatsamŋa nokuseka, asi hakuŋgaʋi nezororo. Ʋanhu ʋeropa ʋanoʋeŋga wakarurama; Asi ʋakarurama ʋanotȿaka kuraramisa mŋeya wake. Ƃenzi rinoɓuɗisa hasha dzaro dzose; Asi munhu wakacenjera unodzidzora nokudzinyaradza. Kana muɓati aciterera nhema, Ʋaranda ʋake ʋose ʋacaʋa ʋakaipa. Murombo nomunhu unomanikidza ʋanosoŋgana pamŋe cete; Jehova unovenekera meso aʋose. Mambo, unoruramisira ʋarombo nokutendeka, Cigaro cake cicasimbiswa nokusiŋgaperi.