Cimeɗurwa cakawoma ceciŋgwa norugare, Cinopfuʋura imba izere neɀakaɓayiwa nokukakaʋara. Muranda, unoita noʋucenjeri, uŋgaraira mŋanakomana unonyadzisa, Acidya nhaka pamŋe cete naʋana. Hari yokunyausa ndeyesirveri, neʋira nderendarama; Asi Jehova unoidza mŋoyo yaʋanhu. Munhu, unoita ɀakaipa, unoterera miromo yakaipa; Mureʋi wenhema unorerekera nzeʋe yake kururimi rwakashata. Aninani unoseka murombo, unoɀidza Muiti wake; Unofara pamsoro penjodzi yaʋamŋe, haaŋgakoni kurobga. Ʋazukuru ikorona yaʋatana; Kukudzwa kwaʋana ndiʋo madziɓaɓa aʋo. Kutaura kwamanyawi hakufaniri ɓenzi; Ɀikuru kutaura kunenhema hakufaniri mucinda. Fufuro yakaita sebge rinokosha kana icitarirwa nomŋene wayo; Pose painoriŋgira inofadza. Munhu unofukidza kuɗarika kwomumŋe, unotȿaka ruɗo; Asi unoramba acimutsa shoko, unoparadzanisa shamŋari dzinoɗana. Munhu unenjere unoɓayiwa nokutukwa Kupfuʋura ɓenzi nokurobga runezana. Munhu unomŋoyo wokumukira unoŋgotȿaka ɀakaipa; Asi ucatumirwa nhume inomŋoyo mukukutu. Ɀirinani kuti munhu asoŋgane necikara catorerwa ʋana, Pakuti asoŋgane neɓenzi paʋupenzi bgaro. Aninani unoripidzira ɀakanaka neɀakaipa, Ɀakaipa haɀiŋgabvi paimba yake. Kuʋamba kwokukakaʋara kwakafanana nokudziʋurira mvura; Saka rega rukaʋe, kurwa kusati kwaȿika.
Verenga chikamu Ɀireʋo 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 17:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo