Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 13:1-25

Ɀireʋo 13:1-25 SUB1949

Mŋanakomana wakacenjera unoterera kuraira kwaɓaɓa ʋake; Asi muɗaɗiri haanzwi kana acitukwa. Munhu ucadya ɀakanaka ɀinobva paɀiɓereko ɀomuromo wake; Asi ʋanoita nokunyeŋgedzera ʋanofarira kumanikidza. Unorindira muromo wake, unoceŋgeta ʋupenyu bgake; Asi unoshamisa miromo yake, ucaparadzwa. Mŋeya wesimbe unopaŋga, asi unoshaiwa; Asi mŋeya yaʋasinoʋusimbe icakodzwa. Wakarurama unoʋeŋga nhema; Asi wakaipa, unonyaŋgadza, ucanyadziswa. Kururama kunoceŋgeta wakarurama pakufamba kwake; Asi kuipa kunowisira mutadzi pasi. Mumŋe uri’ko unoɀiti ndiri mufumi, kunyaŋge asinecinhu; Mumŋe uri’ko unoɀiti ndiri murombo, asi unefuma zhinji. Rudzikinuro rwoʋupenyu bgomunhu ifuma yake; Asi murombo haanzwi kutyisidzira. Ciedza caʋakarurama cinopenya kwaɀo; Asi mŋenje waʋakaipa ucadzimŋa. Kuɀikudza kunoŋgoʋuyisa kukakaʋara; Asi ʋucenjeri ʋuri kunaʋanotenda kurairirwa. Fuma, yakawanikwa nokukurumidza, icatapudzwa; Asi unoʋuŋganidza noruʋoko, ɀicawedzerwa kwaari. Tariro kana icinonoka, inoʋodza mŋoyo; Asi kana capaŋgwa coȿika, ndiwo muti woʋupenyu. Unoɀidza Shoko, wasuŋgwa naro; Asi unotya murairo, ucapiwa muɓairo. Kudzidzisa kwowakacenjera itsime roʋupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisuŋgo yorufu. Njere dzakanaka dzinoʋuyisa kufarirwa naʋanhu; Asi nzira yaʋatadzi ihukutu. Mumŋe nomumŋe, wakaŋgwara, unoita nokuziʋa, Asi ɓenzi rinokusha ʋupenzi bgaro. Nhume yakaipa inowira munjodzi; Asi munyai unotendwa unoporesa. Ʋurombo nokunyadziswa ndiwo muɓairo wounoramba kurairirwa; Asi unoterera kurairwa ucakudzwa. Kana ɀinoɗikanwa ɀaitwa, ɀinozipa pamŋeya; Asi mapenzi anonyaŋgadzwa kana acisiyana neɀakashata. Fambidzana naʋakacenjera, ugoʋa wakacenjera ʋo; Asi shamŋari yamapenzi inoshatiswa. Ɀakaipa ɀicateʋera ʋatadzi; Asi ʋakarurama ʋacaripirwa neɀakanaka. Munhu, wakanaka, ucasiyira ʋana ʋaʋana ʋake nhaka; Asi fuma yomutadzi inoceŋgeterwa wakarurama. Munda womurombo uneɀokudya ɀizhinji; Asi mumŋe uri’ko unoparadzwa nokuɗa kwokusarurama. Unorega shamhu unoʋeŋga mŋanakomana wake; Asi unomuɗa, unomuraŋga ɀakanaka. Wakarurama unodya kuȿikira agutisa mŋeya wake; Asi ɗumbu rowakaipa ricashaiwa.