Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaFiripi 4:1-9

ƲaFiripi 4:1-9 SUB1949

Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, ʋaɗikanwa ʋandinoshuʋa kwaɀo, mufaro waŋgu, nekorona yaŋgu, mirai nesimba saiɀoɀo munaShe, ʋaɗikanwa. Ndinokumbira ɀikuru Yuodia, ndinokumbira ɀikuru Sintike, kuti ʋaʋe nomŋoyo mumŋe munaShe. Hoŋo, newe ʋo, shamŋari yaŋgu yaɀokwaɗi paɓasa, ndinokumbira kwauri kuti uɓatsire ʋanhukadzi aʋa, nokuti ʋakaɓatirana neni paEvaŋgeri, pamŋe cete naKremensi, naʋamŋe ʋakaɓata pamŋe cete neni, mazita aʋo ari mubuku yoʋupenyu. Farai munaShe ŋguʋa dzose; ndicapamhidza ɀe: Farai. Ʋunyoro bgenyu ŋgabguzikanwe naʋanhu ʋose. Ishe uri pedyo. Musafuŋganya pamsoro pecinhu cimŋe; asi paɀinhu ɀose, mikumbiro yenyu ŋgaiziʋiswe Mŋari nokunyeŋgetera nokukumbira, pamŋe cete nokuʋoŋga. Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu. Pakupedzisira, hama dzaŋgu, ɀose ɀaɀokwaɗi, ɀose ɀinokudzwa, ɀose ɀakarurama, ɀose ɀakacena, ɀose ɀinoɗikanwa, ɀose ɀinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana ciŋgarumbidzwa cipi necipi, fuŋgisisai iɀoɀo. Ɀinhu iɀo ɀamakadzidza, neɀamakapiwa, neɀamakanzwa, neɀamakaʋona kwandiri, itai iɀoɀo; Mŋari worugare ŋgaaʋe nemi.

Verenga chikamu ƲaFiripi 4