Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaFiripi 3:5-8

ƲaFiripi 3:5-8 SUB1949

Ndakadziŋgiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwaʋaIsraeri ʋeimba yaBenjamini, muHeberu waʋaHeberu; pamurairo ndiri muFarise; pakushiŋgaira kwaŋgu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebga nomurairo ndakaŋga ndisina‐candiŋgapomerwa. Asi iɀoɀo, ɀaiʋa fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuɗa kwaKristu. Hoŋo, ɀirokwaɀo, ndinototi ɀinhu ɀose kurashikirwa hako nokuɗa kwokunaka kwokuziʋa Kristu Jesu, Ishe waŋgu, wandakarashikirwa neɀinhu ɀose nokuɗa kwake, ndikaɀiidza marara, kuti ndiwane Kristu

Verenga chikamu ƲaFiripi 3