Ɀino kana kuʋaraidzwa kuri’po kunaKristu, kana kunyaradza kworuɗo, kana kuyanana kwoMŋeya, kana mŋoyo munyoro nokunzwira tsitsi, zadzisai mufaro waŋgu, muʋe nokufuŋga kumŋe, muciʋa noruɗo rumŋe, nomŋeya mumŋe, nendaŋgariro imŋe, musiŋgaiti cinhu nenharo, kana nokuɀikudza, asi mumŋe nomumŋe ŋgaati nomŋoyo unoɀininipisa, ʋamŋe ʋanomupfuʋura iye pakunaka; mumŋe nomumŋe ŋgaarege kutarira ɀake, asi ŋgaatarire ɀaʋamŋe ʋo. Iʋai nomŋoyo uyo, wakaŋga uri munaKristu Jesu ʋo; iye, kunyaŋge akaŋga akafanana naMŋari, haana‐kuti kuenzana naMŋari ndicinhu cinofanira kuɓatisiswa; asi wakaɀiɗurura iye, akaɀiita muranda, akafanana naʋanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akaɀininipisa, akaterera kuȿikira parufu, irwo rufu rwomucinjikwa. Saka Mŋari wakamukudza ɀikuru, akamupa zita rinopfuʋura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, aʋari kuɗeŋga naʋari panyika, naʋari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mŋari, Ƃaɓa, arumbidzwe.
Naiɀoɀo, ʋaɗikanwa ʋaŋgu, seɀamakaterera ŋguʋa dzose, ndisati ndiri’po ɓedzi, asi ɀikuru ɀino kana ndisi’po, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokuɗeɗera; nokuti ndiye Mŋari unoita mukati menyu kuɗa nokuita nokuɗa kwake kwakanaka. Itai ɀose musiŋganyunyuti, musinenharo; kuti muʋe ʋanhu ʋasina‐caʋaŋgapomerwa, naʋasina‐kusarurama, ʋana ʋaMŋari ʋasinemhoȿa pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoʋonekwa pakati parwo seɀiedza panyika; makaɓatisisa shoko roʋupenyu, kuti ndiʋe necandiŋgaɀirumbidza naco nezuʋa raKristu, ndiziʋe kuti handina‐kumhanya pasina, kana kuɓata pasina.