Ɀino Barami akamuka maŋgwanani, akaisa cigaro pamboŋgoro yake, akaenda namacinda aMoabi. Asi Mŋari wakamutsamŋira, ɀaakaenda; mutumŋa waJehova akandomira munzira yake, kuti arwe naye. Ɀino iye wakaŋga akataȿa mboŋgoro yake, naʋaranda ʋake ʋaʋiri ʋakaŋga ʋanaye. Ipapo mboŋgoro ikaʋona mutumŋga waJehova amire munzira, anomunondo wakavomorwa muruʋoko rwake; mboŋgoro ikatsauka panzira, ikaenda nokusaŋgo; Barami akaroʋa mboŋgoro kuti aidzorere kunzira. Ɀino mutumŋa waJehova akandomira panzira nhete pakati peminda yemizambiriŋga, ruȿiŋgo ruri kurutiʋi runo, noruȿiŋgo kunorumŋe rutiʋi ɀe. Mboŋgoro ikaʋona mutumŋa waJehova, ikaɀisundira kuruȿiŋgo, ikambandidzira rutsoka rwaBarami paruȿiŋgo; ipapo akairoʋa ɀe. Mutumŋa waJehova akapfuʋura mberi, akandomira pakaŋga pakamanikana, pakaŋga pasinenɀimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruɓoshwe. Mboŋgoro ikaʋona mutumŋa waJehova, ikaʋata pasi, Barami ari pamsoro payo; Barami akatsamŋa, akaroʋa mboŋgoro netȿimbo yake. Ɀino Jehova akashamisa muromo wemboŋgoro, ikati kunaBarami: Ndakakuitireiko, ɀamandiroʋa ɀino katatu? Barami akati kumboŋgoro: Nokuti wakandiɗaɗira; ɗai ndaiʋa nomunondo muruʋoko rwaŋgu, ndiŋgaɗai ndakuʋuraya pakarepo. Mboŋgoro ikati kunaBarami: Ko ini handizi mboŋgoro yenyu yamakataȿa makore enyu ose kuȿikira zuʋa rino here? Ko ndaigara ndicikuitirai saiɀoɀo here? Iye akati: Kwete. Ipapo Jehova akaȿinudza meso aBarami, akaʋona mutumŋa waJehova amire munzira, anomunondo wakavomorwa muruʋoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi neciso cake. Mutumŋa waJehova akati kwaari: Waroʋereiko mboŋgoro yako ɀino katatu? Tarira, ini ndimene ndaɓuɗa kuzokudziʋisa, nokuti nzira yako inoʋaʋarira kuneɀakaipa pamberi paŋgu. Mboŋgoro yakandiʋona, ikatsauka pamberi paŋgu katatu; ɗai isinakutsauka pamberi paŋgu, ɀirokwaɀo ndiŋgaɗai ndakuʋuraya iwe, ndikairaramisa iyo. Ipapo Barami akati kumutumŋa waJehova: Ndatadza, nokuti ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti ndiwe wakaŋga umire munzira ucindidziʋisa; naiɀoɀo ɀino, kana usiŋgafari naɀo, ndicadzoka haŋgu. Mutumŋa waJehova akati kunaBarami: Enda hako naʋarume aʋa, asi shoko roga randicataura kwauri, ndiro raunofanira kutaura. Naiɀoɀo Barami akaenda namacinda aBaraki. Ɀino Baraki wakati anzwa kuti Barami waȿika, akaɓuɗa kundosoŋgana naye paIri‐Moabi riri pamuganho weArnoni, pamugumo wenyika. Ɀino Baraki akati kunaBarami: Ko handina‐kutuma nhume kwauri nomŋoyo wose, ndicikuɗana here? Wakaregereiko kuʋuya kwandiri? Ko handigoni kukukudza here? Barami akati kunaBaraki: Tarira, ndaʋuya kwauri; ko ini ndinesimba rokutaura cinhu here? Shoko rinoiswa mumuromo maŋgu naMŋari, ndiro randicataura.