Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Uɀiitire hwamanda mbiri dzesirveri; unofanira kudziita nesirveri yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukuɓatsira kuɗana ʋuŋgano nokuraira kuti mapoka afambe. Kana ʋacidziridza ʋuŋgano yose inofanira kuʋuŋgana kwauri pamukoʋa wetente rokusoŋgana. Kana ʋaciridza imŋe cete, ɀino macinda ʋari ʋakuru ʋeɀuru ɀaʋaIsraeri ʋanofanira kuʋuŋgana kwauri. Kana muciridzisa, mapoka okurutiʋi rwamabvazuʋa anofanira kusimuka, ʋafambe. Kana muciridzisa rwecipiri mapoka okurutiʋi rwezasi anofanira kusimuka, ʋafambe; ʋanofanira kuridzisa kana ʋofamba nzendo. Asi kana ʋuŋgano icifanira kuʋuŋganidzwa, munofanira kuridza, asi musaridzisa. Ʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista, ndiʋo ʋanofanira kuridza hwamanda; ŋgaɀiʋe tsika kwamuri nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose. Kana mucindorwa munyika yenyu nomuʋeŋgi unokumanikidzai, munofanira kuridzisa nehwamanda; ipapo mucaraŋgarirwa pamberi paJehova Mŋari wenyu, mugoponeswa paʋaʋeŋgi ʋenyu. Ʋuye nomusi wamunofara nawo, napamitambo yenyu yakatarwa, napakutaŋga kwemŋedzi yenyu, munofanira kuridza hwamanda pamsoro peɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa, napamsoro peɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, kuti Jehova akuraŋgarirei naɀo; ndini Jehova Mŋari wenyu.
Verenga chikamu Numeri 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Numeri 10:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo