Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 1:1-10

Nehemia 1:1-10 SUB1949

Mashoko aNehemia mŋanakomana waHakaria. Pamŋedzi weKisrevi, pagore ramakumi maʋiri, ndakati ndiri panhare yamambo paShushani, Hanani, mumŋe wehama dzaŋgu, akaȿika iye naʋamŋe ʋarume, ʋacibva kwaJuda; ndikaʋabvunza pamsoro paʋaJuda ʋakaŋga ʋapukunyuka, ʋakaŋga ʋasara pakutapxa, napamsoro peJerusarema. Ʋakati kwandiri: Ʋakasara, ʋakasiyiwa pakutapxa panyika iyo, ʋari pakutambudzika kukuru napakushoʋorwa; ʋuye ruȿiŋgo rweJerusarema ʋo rwakoromoka, namasuʋo aro apiswa nomŋoto. Ɀino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikacema, ndikaita mazuʋa ndicicema; ndikaɀinyima ɀokudya, ndikanyeŋgetera pamberi paMŋari wokuɗeŋga, ndikati: Ndinokumbira kwamuri Jehova Mŋari wokuɗeŋga, Mŋari mukuru unotyisa, iye unoraŋgarira suŋgano yake netsitsi kunaʋanomuɗa ʋaciceŋgeta mirairo yake; nzeʋe yenyu ŋgaiterere ɀino, nameso enyu aȿinure, munzwe munyeŋgetero womuranda wenyu, wandinonyeŋgetera pamberi penyu, ŋguʋa ino, masikati noʋusiku, pamsoro paʋana ʋaIsraeri ʋaranda ʋenyu, ndicireʋurura ɀiʋi ɀaʋana ʋaIsraeri, ɀatakakutadzirai naɀo; nokuti takatadza, ini naʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu. Takakuitirai ɀakaipa kwaɀo, hatina‐kuceŋgeta mirairo, kana ɀakatemŋa, kana ɀakatoŋgwa, ɀamakaraira muranda wenyu Mosesi. Ƌoraŋgarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mosesi, muciti: Kana muciɗarika, ndicakuparadzirai pakati pendudzi; asi kana mukadzokera kwandiri, mukaceŋgeta mirairo yaŋgu nokuiita, kunyaŋge ʋadziŋgwa ʋenyu ʋaȿika kumagumisiro okuɗeŋga, ndicaʋaʋuŋganidza ʋabve ipapo, ndiʋaise panɀimbo yandakatsaura kuti zita raŋgu rigare’po. Ɀino aʋa ndiʋaranda ʋenyu naʋana ʋenyu, ʋamakadzikinura nesimba renyu guru, noruʋoko rwenyu runesimba.

Verenga chikamu Nehemia 1