Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 7

7
Mharidzo pagomo: Kutoŋga ʋamŋe.
1Musatoŋga, kuti murege kutoŋgwa; 2nokuti nokutoŋga kwamunotoŋga nako, mucatoŋgwa nako, neciyero camunoyera naco, mucayerwa naco. 3Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, asi hauʋoni ɗanda riri muziso rako? 4Kana uŋgataura seiko kuhama yako, uciti: Rega, ndibvise ruɓanzu muziso rako, iɀo, ɗanda riri muziso rako? 5Iwe munyeŋgeri, taŋga kubvisa ɗanda muziso rako; ugoʋona kwaɀo kubvisa ruɓanzu muziso rehama yako.
6Musapa imbga ɀinhu ɀitȿene, ʋuye, musakanda maparera enyu pamberi peŋguruʋe, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeʋuka dzikakubvamburai.
Kutsuŋga pakunyeŋgetera.
7Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa. 8Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira unopiwa; unotȿaka unowana; unogogodza unozarurirwa. 9Munhu ndoupiko kwamuri, kana mŋanakomana wake akakumbira ciŋgwa, uŋgamupa ibge? 10Kana akakumbira hoʋe, uŋgamupa nyoka? 11Ɀino kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapfuʋurisa seiko kupa ɀinhu ɀakanaka iʋo ʋanokumbira kwaari! 12Saka ɀinhu ɀose ɀamunoɗa kuti ʋanhu ʋakuitirei, muʋaitire nemi ʋo saiɀoɀo, nokuti ndiwo murairo naʋaprofita.
Nzira mbiri.
(Ruka 13:24–30)
13Pindai nesuʋo rakamanikana; nokuti suʋo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; ʋanopinda naro ʋazhinji. 14Nokuti suʋo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuʋupenyu, ʋanoiwana ʋashoma.
Ʋadzidzisi ʋenhema.
15Cenjerai ʋaprofita ʋenhema, ʋanoʋuya kwamuri ʋaneŋguʋo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. 16Mucaʋaziʋa neɀiɓereko ɀaʋo. Mazambiriŋga anombotanhwa paminzwa here, kana maʋonde parukato? 17Saiɀoɀo muti mumŋe nomumŋe wakanaka unoɓereka ɀiɓereko ɀakanaka, asi muti wakaipa unoɓereka ɀiɓereko ɀakaipa. 18Muti wakanaka hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakaipa, nomuti wakaipa hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka. 19Muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto. 20Saka mucaʋaziʋa neɀiɓereko ɀaʋo.
Kunzwa nokuita.
21Haʋazi ʋose ʋanoti kwandiri, Ishe, Ishe, ʋacapinda muʋushe bgokuɗeŋga; asi unoita kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. 22Ʋazhinji ʋacati kwandiri nezuʋa iro: Ishe, Ishe, hatina‐kuprofita muzita renyu here? Nokudziŋga mŋeya yakaipa muzita renyu here? Nokuita maɓasa esimba mazhinji muzita renyu here? 23Ɀino ndicaʋaʋudza pacena: Handina‐kutoŋgokuziʋai; ibvai kwandiri, imi ʋaiti ʋokusarurama. 24Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akaaita, uŋgafananidzwa nomurume wakacenjera, wakaʋaka imba yake paruware. 25Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo; ikasawa, nokuti yakaŋga yakateyiwa paruware. 26Mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akasaaita, uŋgafananidzwa nomurume ɓenzi, wakaʋaka imba yake pajeca. 27Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukaʋa kukuru.
28Jesu wakati apedza mashoko iwaya, ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake; 29nokuti wakaŋga aciʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori ʋaʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

Mateo 7: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda